Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Breaking News

latest

Fundo yekuyunivhesiti iri kusimudzirwa: President Mugabe

PRESIDENT Mugabe vanoti Hurumende yakavaka mayunivhesiti kumapurovhinzi ose enyika nechinangwa chekusimudzira fundo pamwe nekuti vadzidzi va...

PRESIDENT Mugabe vanoti Hurumende yakavaka mayunivhesiti kumapurovhinzi ose enyika nechinangwa chekusimudzira fundo pamwe nekuti vadzidzi vawane mukana wekufunda zvekusvika kuyunivhesiti.

Vakataura mashoko aya svondo rapera apo vaivhura zviri pamutemo dare reParamende rechikamu cheSecond Session of the Eighth Parliament of Zimbabwe.

“Nechinangwa chekuti dzidzo yekuyunivhesiti iwanikwe zviri nyore, Hurumende yakavaka yunivhesiti mupurovhinzi imwe neimwe yenyika,” vakadaro.

Vakati dare reParamende richange richizeya mitemo iri kuda kukumikidzwa yakananga kuti pave nemayunivhesiti kune mamwe matunhu.

Mitemo iyi inosanganisira weGwanda State University Bill neManicaland State University of Applied Sciences Bill uye basa rekuti pave nePan-African Minerals University of Science and Technology muHarare rave padanho repamusoro.
President Mugabe
President Mugabe vakati gwaro rezvidzidzo (cirriculm) zvekupuraimari nesekondari riri kuvandudzwa zvakare nechinangwa chekuti fundo yemunyika ienderane nezvinodiwa nebudiriro yeZimbabwe.

“Izvi zvinofanira kuona kudzidziswa kwakanyanya kwezvidzidzo zvakaita seScience, Technology neMathematics,” vakadaro.

Vakati kudzidza kuburikidza nemakombiyuta, pamwe nekupihwa kwemakombiyuta kuzvikoro pasi pechirongwa chePresidential Computer Programme, kuri kuenderera mberi nedonzvo rekuti vana vari mumagwaro ose vawane mukana uyu. Kwayedza
Brand Spotlight

Celebrities Extreme — Celebrity News, Entertainment and Trends

1M+ Monthly Readers

Celebrities Extreme is a premier Zimbabwean multi-media entertainment group delivering high-octane pop culture trends, exclusive celebrity photo galleries, and breaking entertainment news 24/7.

Built on a fresh, savvy perspective in a fast-paced media landscape, our dedicated editorial team brings authentic, unfiltered commentary to over 1 million unique monthly visitors across Mzansi and Zimbabwe.

Celebrity News Stories and Entertainment Trends Explore More